Proverbs 8

Kudana kwoUchenjeri

1Ko, uchenjeri hahudanidziri here?
Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here?
2Panzvimbo dzakakwirira panzira,
pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire;
3parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova,
hunodanidzirisa huchiti,
4“Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira;
ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose.
5Imi vasina mano, wanai uchenjeri;
imi mapenzi, wanai kunzwisisa.
6Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura;
ndinozarura muromo wangu kuti nditaure zvakarurama.
7Muromo wangu unotaura zvokwadi,
nokuti miromo yangu inovenga zvakaipa.
8Mashoko ose omuromo wangu akarurama;
hapana kana rimwe rakakombama kana rakaipa.
9Kune ane njere ose zvawo akarurama,
akarurama kuna avo vane zivo.
10Sarudza kurayira kwangu panzvimbo yesirivha,
ruzivo panzvimbo yegoridhe rakaisvonaka,
11nokuti uchenjeri hunokosha kupfuura marubhi,
uye hapana chaungada chingaenzaniswa nahwo.

12“Ini, uchenjeri ndinogara pamwe chete navakachenjera;
ndine ruzivo nenjere.
13Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa;
ndinovenga kuzvikudza namanyawi,
maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.
14Zano nokutonga kwakanaka ndezvangu;
ndine kunzwisisa nesimba.
15Madzimambo anobata ushe neni
uye vatongi vanodzika mirayiro yakarurama;
16machinda anofambisa ushe neni,
navakuru vose vanotonga panyika.
17Ndinoda avo vanondida,
uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.
18Pfuma nokukudzwa zvineni,
upfumi hunogara nokururama.
19Chibereko changu chakanaka kupfuura goridhe rakaisvonaka;
zvandinobereka zvinopfuura sirivha yakaisvonaka.
20Ndinofamba munzira dzokururama,
pamakwara okururamisira,
21ndichipa upfumi kuna avo vanondida,
uye ndichiita kuti matura avo azare.

22“Jehovha akandibudisa sebasa rake rokutanga pamabasa ake,
kutangira mabasa ake akare;
23ndakagadzwa kubva pakusingaperi,
kubva pakutanga, nyika isati yavapo.
24Makungwa asati avapo, ndakaberekwa,
pasati pava nezvitubu zvine mvura zhinji;
25makomo asati aiswa munzvimbo dzawo,
zvikomo zvisati zvavapo, ndakaberekwa,
26asati aita nyika neminda
kana guruva ripi zvaro renyika.
27Ndakanga ndiripo paakaisa matenga munzvimbo dzawo,
paakaita denderedzwa pamusoro pamakungwa,
28paakaita makore kudenga
uye paakasimbisa zvitubu zvamakungwa,
29paakapa gungwa miganhu yaro
kuti mvura dzirege kudarika zvaakarayira,
uye paakateya nheyo dzenyika.
30Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake.
Ndaigara ndichifara zuva nezuva,
ndichifara nguva dzose pamberi pake,
31ndichifadzwa nenyika yake yose
uye ndichifadzwa navanhu vose.

32“Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri;
vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.
33Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera;
musakushayira hanya.
34Akaropafadzwa munhu anoteerera kwandiri,
anorinda mazuva ose pamasuo angu.
Anomira pamukova womusuo wangu.
35Nokuti ani naani anondiwana anowana upenyu
uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.
36Asi ani naani asingandiwani anozvikuvadza;
vose vanondivenga vanoda rufu.”
Copyright information for SnaBDSC